Hosea 13

Kutsamwa kwaJehovha pamusoro peIsraeri

1Efuremu akati ataura, vanhu vakadedera;
iye akakudzwa muIsraeri.
Asi akava nemhosva yokunamata Bhaari uye akafa.
2Zvino vanoramba vachingotadza;
vanozviitira zvifananidzo zvakaumbwa nesirivha yavo,
zviri zvifananidzo zvakaumbwa nenjere dzavo,
zvose ari mabasa emhizha.
Pamusoro pavanhu ava zvinonzi,
“Vanobayira zvibayiro zvevanhu
uye vanotsvoda zviumbwa zvemhuru.”
3Naizvozvo vachava semhute yamangwanani,
sedova rinokurumidza kupera,
sehundi inopeperetswa kubva paburiro,
soutsi hunobuda napawindo.
4“Asi ndini Jehovha Mwari wako,
akakubudisa kubva muIjipiti.
Haungazovi nomumwe Mwari kunze kwangu;
kana mumwe Muponesi kunze kwangu.
5Ndakakuchengeta murenje,
munyika inopisa kwazvo.
6Pandakavapa zvokudya, vakaguta;
vakati vaguta, vakazvikudza
ipapo vakandikanganwa.
7Saka ndichauya kwavari seshumba,
ndichavagarira panzira sembada,
8Sebere ratorerwa vana varo,
ndichavarwisa ndigovabvarura.
Seshumba ndichavaparadza;
chikara chesango chichavabvambura.

9“Waparadzwa iwe Israeri,
nokuti unondirwisa, uchirwisa mubatsiri wako.
10Mambo wako aripiko, kuti zvimwe angakuponesa?
Vatongi vako varipiko mumaguta ako ose,
avo vawakati, ‘Ndipei mambo namachinda’?
11Saka mukutsamwa kwangu ndakakupa mambo,
uye muhasha dzangu ndakamubvisa.
12Mhosva dzaEfuremu dzakaunganidzwa pamwe chete,
zvivi zvake zvakachengetedzwa muzvinyorwa.
13Kurwadziwa sekwomukadzi anosununguka kunosvika kwaari,
asi uyu mwana asina uchenjeri;
kana nguva dzasvika, haauyi kumusuo wechizvaro.

14“Ndichavadzikinura kubva pasimba reguva;
ndichavadzikinura kubva parufu.
Dziripiko hosha dzako, nhai rufu?
Kuripiko kuparadza kwako, nhai guva?

“Handingazovi netsitsi,
15kunyange akabudirira pakati pamadzikoma ake.
Mhepo yokumabvazuva yaJehovha ichauya,
ichivhuvhuta ichibva kurenje;
chitubu chake chichapwa
uye tsime rake richaoma.
Dura rake richapambwa
zvose zvinokosha zviri mariri.
16Vanhu veSamaria vanofanira kutakura mhaka yavo,
nokuti vakamukira Mwari wavo.
Vachaparadzwa nomunondo;
vacheche vavo vacharoverwa pasi.
Vakadzi vavo vane mimba vachatumburwa.”
Copyright information for SnaBDSC